Shona

1 Corinthians

6

1Kune mumwe wenyu here unoti anemhosva neumwe ungatsunga kumumhan'arira kuna vasakarurama, akasamumhan'arira kuvatsvene?2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, Hamuna kufanira kutonga mhosva duku-duku here?3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu hwuno?4Zvino kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu hwuno mudziise kuti vatonge avo vanozvidzwa pakereke.5Ndinotaura kuti munyare. Ndizvo here kuti hakuna munhu wakachenjera pakati penyu, kana neumwe, ungagona kutonga pakati pehama nehama dzake?6Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.7Zvino naizvozvo patova nemhosva kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kukanganisirwa pakudaro? Munoregereiko kutenda kubiridzirwa pakudaro?8Asi imwi munotadza nekubiridzira, izvozvi munozviita kuhama.9Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havangagari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana mbodza, kana vanorara navamwe varume,10kana mbavha, kana vachivi, kana zvidhakwa, kana vanyombi, kana makororo, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.11vamwe venyu vakange vakaita seizvozvo; asi imwi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.12Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri asi handitongwi nechinhu.13chikafu ndechedumbu, nedumbu nderechikafu; asi Mwari uchaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupomhwe, asi waIshe, naIshe vemuviri;14Uye Mwari wakamutsa Ishe uye uchatimutsa isu nesimba rake.15Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!16Ko hamuzivi kuti wakabatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nekuti ava vaviri, unoti, vachava nyama imwe.17Asi wakabatanidzwa naIshe, wava mweya umwe naye.18Tizai upombwe. Chivi chose munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi unoita upomhwe unotadzira muviri wake amene.19Ko hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene, uri mamuri, wamunawo uchibva kuna Mwari, uye imwi hamuzi venyu?20Nekuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu uye mumweya wenyu iri yaMwari.