Shona

1 Corinthians

5

1Zvinonzwikwa chose kuti upombwe hwuripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro hwusingataurwi kunyange pakati pevahedheni, hwokuti mumwe ave nemukadzi wababa vake.2Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti uyo wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu?3Nekuti ini zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya, ndatotonga uyo wakaita chiito ichi sendinenge ndiripo,4Muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana pamwe nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu.5kukumikidza wakadai kuna Satani kuti nyama yake iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.6Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose?7Naizvozvo bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nekuti nepasika yedu yakabayirwa isu, iye Kristu;8saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina kuviriswa chakatendeka nechokwadi.9Ndakakunyorerai mutsamba, kuti musafambidzana nemhombwe;10asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nekuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.11Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi kana munamati wezvifananidzo kana munyombi kana chidhakwa kana gororo; musatongodya newakadai.12Nekuti ini ndinei pakutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?13Asi avo vari kunze Mwari unovatonga. Naizvozvo bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.