Shona

1 Corinthians

4

1Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevaranda vaKristu, nevachengetedzi vezvakavanzika zvaMwari.2Pamusoro pazvo zvinotarisirwa kuti pavatariri, kuti munhu awanikwe akatendeka.3Asi kwandiri chinhu chiduku-duku kuti nditongwe nemwi, kana nekutonga kwemunhu; asi neni handizvitongi.4Nekuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handiruramiswi neizvozvo; Asi unonditonga ndiIshe.5Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye zvose uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye ucharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe ucharumbidzwa naMwari.6Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura izvo zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza achitsaura umwe kune umwe.7Nekuti ndiani wakaita kuti musiyane? Uye chii chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzirei seusina kupiwa?8Matoguta, matofuma, matotonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.9Nekuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nekuti takaitwa chivokero kunyika, nekuvatumwa nekuvanhu.10Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.11Kunyange kusvikira nguva ino tine nzara, uye tine nyota, takashama, tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi;12tinochama, tichishanda nemaoko edu; kana tichinyombwa tinoropafadza, kana tichishushwa tinotsunga moyo;13kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvose, kusvikira zvino.14Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikamwa ndinokunyeverai.15Nekuti kunyange mune vadzidzisi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nekuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.16Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.17Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, unova mwana wangu unodikamwa, uye wakatendeka muna Ishe; iye uchakuyeuchidzai mitoo yangu iri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.18Zvino vamwe vanozvikudza sezvinonzi handingauyi kwamuri.19Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.20Nekuti ushe hwaMwari hahwuzi pashoko asi pasimba.21Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here kana murudo nemweya weuyoro?