Shona

1 Corinthians

3

1Zvino ini, hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.2Ndakakumwisai mukaka, kwete chikafu chikukutu; nekuti makanga musati mogona kudya, zvakare nazvino hamugoni.3Nekuti muchiri venyama; Nekuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba sevanhu here?4Nekuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamuzi venyama here?5Ko Pauro chii? Uye Aporo chii? Asi varanda vamakatenda kubudikidza navo, uye umwe neumwe sekupiwa kwaakaitwa naMwari.6Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakudza.7Naizvozvo unodzvara haazi chinhu, kana unodiridza, asi Mwari unokudza.8Zvino unodzvara neunodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe uchagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.9Nekuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, muri chivakwa chaMwari.10Nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera, ndakaronga nheyo; umwe unovaka pamusoro padzo. Asi umwe neumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.11Nekuti hakuna umwe unogona kuronga imwe nheyo, asi iyo yakarongwa, inova Jesu Kristu.12Zvino kana ani nani achivaka pamusoro penheyo iyi, ndarama, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,13basa reumwe neumwe richabudiswa pachena; nekuti zuva iro richazvibudisa pachena, nekuti richazarurwa nemoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.14Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, uchagamuchira mubairo.15Kana basa raani nani rikapiswa, ucharashikirwa; asi iye amene uchaponeswa, asi sewakabuda nemumoto.16Hamuzivi kuti imwi muri tembere yaMwari here, uye kuti Mweya waMwari unogara mamuri?17Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari uchamuparadza; nekuti tembere yaMwari itsvene, inova imwi.18Ngakurege kuva neunozvinyengera. Kana umwe pakati penyu achizviona sewakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.19Nekuti njere dzenyika ino upenzi kuna Mwari. Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera paumhare hwavo;20uyezve: Ishe unoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.21Naizvozvo ngakurege kuva neunozvikudza nevanhu. Nekuti zvinhu zvose ndezvenyu,22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu; kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvose ndezvenyu,23nemwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.