Shona

1 Corinthians

2

1Zvino ini, hama, pandakauya kwamuri, handina kuuya neunyanzvi hwekutaura kana nenjere, ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari.2Nekuti ndakafunga kusaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.3Uye ndakanga ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.4Nekutaura kwangu nekuparidza kwangu hakuna kuva nemashoko ekukwezva euchenjeri hwevanhu asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;5kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.6Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi uchenjeri hwusati hwuri hwenyika ino, kana hwevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo.7Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika, hwakavigwa, hwakagara hwagadzwa naMwari nyika isati yavapo hwuve kubwinya kwedu;8ihwo hwusina kuzivikamwa neumwe wevatongi venyika ino; nekuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera Ishe wekubwinya pamuchinjikwa.9Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvadzisina kunzwa, kana kupinda mumoyo wemunhu, Mwari zvaakavagadzirira vanomuda;10Mwari wakazvizarurira kwatiri neMweya wake; nekuti Mweya unonzvera zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.11Nekuti munhu ndeupi unoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvo hakuna munhu unoziva zvinhu zvaMwari, kunze kweMweya waMwari.12Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakangopiwa pachena naMwari;13zvatinotaurawo, kwete mumashoko anodzidziswa nenjere dzevanhu, asi anodzidziswa neMweya Mutsvene; tichienzanisa zvinhu zveMweya neMweya.14Zvino munhu wechisikigo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kunzwisisa, nekuti zvinonzverwa neMweya.15Asi weMweya unonzvera zvinhu zvose, asi iye amene haanzverwi nemunhu.16Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.