Shona

1 Corinthians

1

1Pauro wakadamwa kuva muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, naSositenesi hama,2kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadamwa kuva vatsvene, pamwe nevose vanodana panzvimbo dzose kuzita raIshe wedu Kristu Jesu, zvose wavo newedu:3Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose nekuda kwenyu, nekuda kwenyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu;5kuti pachinhu chose makafumiswa maari, pakutaura kose neparuzivo rwose,6sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;7kuti hamusariri pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,8uchakusimbisaiwo kusvikira pakuguma, musina mhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.9Mwari wakatendeka, wamakadamwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.10Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mose mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu; asi kuti mubatanidzwe pamwe zvakazara pamurangariro umwe nemaonero mamwe.11Nekuti ndakanyatsoudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.12Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, asi ini waAporo, asi ini waKefasi, asi ini waKristu.13Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchunjikwa imwi here? Kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;15kuti kurege kuva neungati ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.16Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kwaivava handizivi kana ndakabhabhatidza umwe.17Nekuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuti ndiparidze evhangeri; kwete nenjere dzemashoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKrsitu ushaiswe maturo.18Nekuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi; asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.19Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, Ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevazivi.20Uripi wakachenjera? Uripi munyori? Uripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?21Nekuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza neuchenjeri hwayo haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari kubudikidza neupenzi hwekuparidza kuponesa vanotenda.22Nekuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, nevaGiriki vanotsvaka uchenjeri;23asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuvaJudha chigumbuso, nekuvaGiriki upenzi;24asi kune vakadamwa, vose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;25Nekuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura vanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura vanhu.26Nekuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama, havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;27asi Mwari wakatsaura zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba;28Nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinoshorwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;29kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi pake.30Asi kwaari imwi muri muna Kristu Jesu, iye wakaitirwa isu uchenjeri hwunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikinuro.31Kuti maererano sezvazvakanyorwa zvichinzi: Uyo unozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.