1Ndinoreverera kwamuri Fibhi, hanzvadzi yedu, murandakadzi wekereke iri paKenikireya.2Kuti mumugamuchire muna Ishe, sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire pazvinhu zvose, zvaangashaiwa kwamuri; nekuti iye amene wakava mumiririri wevazhinji, newanguwo ndomene.3Kwazisai Prisira naAkwira, vanoshanda pamwe neni muna Kristu Jesu.4Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mitsipa yavo, vandisingavongi ini ndoga asiwo nekereke dzose dzevahedheni;5nekereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto, mudikamwa wangu, unova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.6Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.7Kwazisai Andoroniko naJunia, hama dzangu, navakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.8Kwazisai Ambiriyasi, mudikamwa wangu muna Ishe.9Kwazisai Obhano, mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikamwa wangu.10Kwazisai Apere unotendwa muna Kristu. Kwazisai vokwaArisitobhuro.11Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisaiwo vokwaNakiso, vari muna Ishe.12Kwazisai Trufaina naTrufosa, vanobata muna Ishe. Kwazisai Pesisi mudikamwa, wakabata zvikuru muna Ishe.13Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake nevangu.14Kwazisai Asingirita, Firegoni, Hemasi, Patrobhasi, Hemesi, nehama dzinavo.15Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi, nehanzvadzi yake, naOrimba, navatsvene vose vanavo.16Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Kereke dzaKristu dzinokukwazisai.17Zvino ndinokukumbirisai hama, kuti mungwarire avo vanopesanisa nezvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, muvanzvenge.18Nekuti vakadaro havashumiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye nemashoko akanaka nekutaura kwakanaka, vanonyengera moyo yevasina mhosva.19Nekuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina mhosva kune zvakaipa.20Zvino Mwari werugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.21Timotio, mushandi pamwe neni naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.22Ini Tetiosi, unonyora tsamba iyi, ndinokukwazisai muna Ishe.23Gayosi, muchingamiri wangu newekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemari yeguta, unokukwazisai, naKwatosi hama.24Nyasha dza Ishe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemwi mose. Ameni.25Zvino kuna iye unogona kukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvakange zvakavanzwa nguva dzakare.26asi ikozvino zvinoratidzwa, uye neMagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ose, pakuteerera kwerutendo;27kuna Mwari iye wakachenjera oga, ngakuve nokurumbidzwa naJesu Kristu nekusingaperi. Ameni.