Shona

Romans

15

1Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.2Umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakusimbisa.3Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.4Nekuti zvose zvakagara zvanyorwa zakanyorerwa kudzidza kwedu kuti kubudikidza nemoyo murefu nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.5Zvino Mwari wemoyo murefu nenyaradzo ngaape kwamuri moyo umwe, umwe kune umwe zvichitevera Kristu Jesu;6kuti nemoyo umwe uye nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo baba vaIshe wedu Jesu Kristu.7Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, rwuve rukudzo rwaMwari.8Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso kumadzibaba.9Uye kuti vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.10Uyezve unoti: Farai imwi vahedheni pamwe nevanhu vake.11Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vose; mumukudze imwi vanhu vose.12uyezve Isaya unoti: Uchavapo mudzi waJese, naiye uchasimuka kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba naye.13Dai Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wose nerugare parutendo, kuti muwedzere patariro, kubudikidza nesimba reMweya Mutsvene.14Zvino ini ndomene ndinogutsikana nemwi hama dzangu, kuti imwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwose, munogonawo kurairana.15Asi hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeukai nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,16kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti zvibayiro zvevahedheni zvigamuchirike, zvichiitwa zvitsvene neMweya Mutsvene.17Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari.18Nekuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe neshoko nebasa,19kubudikidza nezviratidzo nezvishamiso, nesimba reMweya waMwari; kuti kubva kuJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu, ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;20nekudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, apo pasina kumborehwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe munhu;21asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kune vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa vachanzwisisa.22Nekuda kweizvozviwo, ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;23asi zvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru makore ose awa chekuuya kwamuri,24kana zvakadaro ndichaenda Sipania ndichauya kwamuri; nekuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa zvishoma nemwi.25Asi ikozvino ndinoenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.26Nekuti zvakavafadza veMakedhonia neAkaya vakati zvakanaka kuti vape zvipo varombo vatsvene vari paJerusarema.27Zvakavafadza zvikuru, uye vane ngava navo; nekuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvavo zveMweya, vane ngavawo rekuvashumira pazvinhu zvenyama.28Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikasimbisa chibereko ichi kwavari, ndichaenda Spania ndichipfuura nekwenyu.29Uye ndine chokwadi kuti kana ndichiuya kwamuri, ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.30Zvino ndinokukumbirisai hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu;31kuti ndisunungurwe kuna avo vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu kune veJerusarema rigamuchirwe nevatsvene;32kuti ndiuye kwamuri nemufaro nekuda kwaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.33Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mose. Ameni.