Shona

Romans

14

1Zvino usina simba parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.2Mumwe unotenda kuti ungadya zvinhu zvose; asi usina simba unodya miriwo.3Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi, usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nekuti Mwari wakamugamuchira.4Iwe ndiwe ani unopa muranda weumwe mhosva? Unomira kana kuwa kuna Ishe wake. Uchamiswa zvirokwazvo, nekuti Mwari unogona kumumisa.5Umwe unotemera rimwe zuva kupfuura rimwe; mumwe unotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaave nechokwadi mufungwa dzake.6Uyo unorangarira zuva, unorirangarira muna Ishe; neusingarangariri zuva muna Ishe, haarirangariri, neunodya unodya nekuda kwaIshe, nekuti unovonga Mwari. Uye usingadyi, haadyi muna Ishe, uye unovonga Mwari.7Nekuti hakuna umwe wedu unozviraramira, uye hakuna unozvifira.8Nekuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa tiri vaIshe.9Nekuti Kristu wakafira izvozvi, akamuka akararamazve kuti ave Ishe wevose vapenyu nevakafa.10Zvino iwe unopireiko hama yako mhosva? Kana newe, unozvidzireiko hama yako? Nekuti isu tose tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.11Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchareurura kuna Mwari.12Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu uchazvidavirira pachake kuna Mwari.13Naizvozvo ngatirege kuramba tichipana mhosva; asi zviri nani mutonge izvi, kuti kusava neunoisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama.14Ndinoziva, uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba chomene; asi kune uyo unofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.15Asi kana hama yako ichirwadziwa nechikafu, hauchafambi nerudo. Usamuparadza nechikafu chako uyo wakafirwa naKristu.16Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.17Nekuti ushe hwaMwari hahwusi chikafu kana chimwiwa, asi kururama, nerugare, nemufaro muMweya Mutsvene.18Nekuti uyo unobatira Kristu pazvinhu izvi, unogamuchirwa kuna Mwari, uye unotendwa nevanhu.19Naizvozvo ngatitsvakisise zvinhu zvinouyisa rugare nezvinhu zvekuvakana.20Regai kuparadza basa raMwari nekuda kwechikafu. Zvinhu zvose zvakarurama, asi zvakaipa kune unodya achigumbusa.21Zvakanaka kusadya nyama, kana kumwa waini, kana kuita chingagumbusa hama yako, kana kukanganiswa kana kushaiswa simba.22Une rutendo here? Iva narwo umene pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.23Asi uyo unokahadzika kana achidya wava nemhosva, nekuti haadyi nerutendo; nekuti zvose zvisingabvi parutendo chivi.