Shona

2 Corinthians

4

1Naizvozvo zvatine kushumira uku, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;2asi takarasha zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi neusvatu, kana kushandisa shoko raMwari nekunyengera; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana dzevanhu vose pamberi paMwari.3Zvino kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;4kwavari Mwari wenyika ino wavakapofumadza fungwa dzevasingatendi, zvimwe chiedza chekubwinya kweevhangeri yaKristu uri mufananidzo waMwari chingavhenekera kwavari.5Nekuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.6Nekuti Mwari wakati chiedza chivhenekere parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwokubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.7Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba hwuve hwaMwari, uye hwusabva kwatiri;8tinotambudzwa pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatiori moyo;9tinotambudzwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;10tichitakura nguva dzose kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti neupenyuwo hwaJesu hwuratidzwe mumuviri wedu.11Nekuti isu vapenyu tinogara tichikumikidzwa mukufa nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu hwuratidzwe munyama yedu inofa.12Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.13Naizvozvo tine mweya iwoyu werutendo, zvichienderana nezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, saka naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda saka naizvozvo tinotaura;14tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsawo isu kubudikidza naJesu; agotikumikidza pamwe nemwi.15Nekuti zvinhu zvose zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji dziwedzerwe dzive rukudzo kuna Mwari.16Naizvozvo hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achiparara, zvakadaro womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.17Nekuti kutambudzika kwedu kwakareruka kuripo asi kwechinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusina chiyero;18Nekuti tisingatariri zvinhu zvinoonekwa, asi zvinhu zvisingaonekwi; nekuti zvinhu zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvinhu zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.