1Nekuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, yedumba ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko, yekusingaperi iri kumatenga.2Nekuti mune iyi tinogomera, tichishuva nemoyo wose kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;3kana zvikadaro hatingawanikwi tisina chatakafuka.4Nekuti nesu tiri mutende tinogomera tichiremerwa; tisingadi kuti tikururwe, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.5Zvino uyo wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rwoMweya.6Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti kana tiri kumusha mumuviri hatisi kuna Ishe;7Nekuti tinofamba nerutendo kwete nekuona;8naizvozvo tine ushingi, tichishuva kuti zviri nani kusava pamuviri, asi kuva kuna Ishe.9Naizvozvo tinoshingaira kuti kunyange tiri pamusha kana kure nemusha kwaari.10Nekuti tose tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu; kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita pamuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.11Naizvozvo zvatinoziva kutyisa kw aIshe, tinonyengetedza vanhu; asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwe pahana dzenyu.12Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekurumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana navo vanozvirumbidza pachiso kwete pamoyo.13Nekuti kana tichipenga, ndezve kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, ndezve kwamuri.14Nekuti rudo rwaKristu runotimanikidza; nekuti tinoona saizvozvo kuti kana mumwe akafira vose, zvino vose vakafa;15zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.16Naizvozvo kubvira zvino hatizivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.17Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvekare zvapfuura, tarirai zvose zvava zvitsva.18Uye zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, uye wakatipa kushumira kweyananiso;19sezvinonzi Mwari wakange ari muna Kristu achiyananisa nyika kwaari, asingavaverengeri kudarika kwavo, akakumikidza kwatiri shoko rekuyananisa.20Naizvozvo tiri nhumwa nekuda kwaKristu, Mwari saanenge achikukumbirisai, nesu tinokukumbirisaiwo pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.21Nekuti uyo wakange asingazivi chivi, wakamuita chivi pachinzvimbo chedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.