Shona

2 Corinthians

6

1Zvino zvatinobatawo pamwe, tinokumbira zvikuruwo kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina.2Nekuti unoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarirai, zvino nguva yakafanira; tarirai ikozvino zuva rekuponeswa.3Hatigumbusi nechinhu, kuti kushumira kurege kumhurwa;4asi pazvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, pamanikidzo, pakushaiwa, pakumanikidzwa,5pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa, pakusavata, pakutsanya,6pautsvene, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri;7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama, kurudyi nekuruboshwe,8nekukudzwa nekuzvidzwa, neguhu rakaipa neguhu rakanaka; sevanyepedzeri, asi tiri vechokwadi;9sevasingazikamwi, asi tichizikamwa zvikuru; sevanofa, asi tarirai, tiri vapenyu; sevanorohwa, asi tisingaurawi;10sevanoshungurudzwa, asi tichigara tichifara; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; savasine chinhu, asi tine zvose.11Imwi veKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.12Hamumanikidzwi matiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.13Zvino pakutsiva kwakadaro, ndinotaura sekune vana vangu, imwiwo mukuriswe.14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nekuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingabatana sei nerima?15Kristu unokunzwana kwei naBeriari? Unotenda ungava nemugove wei neusingatendi?16Tembere yaMwari ine chitenderano chei nezvifananidzo? Nekuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva achiti: Ndichagara mavari, nekufamba mavari; ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.17Naizvozvo budai pakati pavo, muraurwe, ndizvo zvinotaura Ishe, uye musabata chine tsvina; uye ini ndichakugamuchirai,18Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Wemasimbaose.