1Zvino zvatine zvivimbiso izvi vadikamwa, ngatizvinatse patsvina dzose dzenyama nemweya, tikwanise utsvene mukutya Mwari.2Tigamuchirei; hatina kutadzira munhu, hatina kutadzisa munhu, hatina kubiridzira munhu.3Handitauriri kupa mhosva; nekuti ndamboreva kuti imwi muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.4Ushingi hwekutaura kwangu kwamuri hwukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndinofara zvikurusa pamatambudziko edu ose.5Nekuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takatambudzwa pamativi ose; kunze kukakavara, mukati kutya.6Asi Mwari, unonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;7uye kwete nekusvika kwake chete, asiwo nekunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, paakatiudza zvechishuwo chenyu chemoyo wose, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.8Nekuti kunyange ndakakushungurudzai netsamba, handizvidyi moyo; kunyange ndichizvidya moyo; nekuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakushungurudzai, asi yakanga iri nguva duku.9Zvino ndinofara, kwete nekuti makashungurudzwa, asi kuti makashungurudzika mukatendeuka; nekuti makashungurudzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nekuda kwedu.10Nekuti kuchema kweuMwari kunouyisa kutendeukira kuruponeso, kwete kuzvidya moyo nako; asi kushungurudzika kwenyika kunouyisa rufu.11Nekuti tarirai chinhu chimwe ichocho chekuti makashungurudzika nenzira yeuMwari, chakauyisa mukati menyu kunanzerera kwakadini, hongu nekuzvichenura, hongu kutsamwa, hongu kutya, hongu chishuvo chakasimba, hongu kurwadza moyo, hongu kutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.12Naizvozvo kunyange ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nekuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwedu nekuda kwenyu kuonekwe nemwi pamberi paMwari.13Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu asi takafara zvikuru kwazvo pamusoro pemufaro waTito, nekuti mweya wake wakavandudzwa nemwi mose.14Nekuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvose kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakavonekwa kuri chokwadi.15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, kuti makamugachira sei nekutya nekudedera.16Ndinofara naizvozvo kuti pazvose ndine chivimbo nemwi.