Shona

2 Corinthians

8

1Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;2kuti pakati pekuidzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo ukuru, zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.3Nekuti vakanga vakasununguka pavanokwanisa napo, ndinopupura, kunyange kupfuura pavakakwanisa napo,4nechikumbiro chikuru vakatikumbirisa, kuti tigamuchire chipo nekugovana parubatsiro rwevatsvene;5uye kwete sezvatakatarisira, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.6Zvekuti takakumbira Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo kwamuri basa iri renyasha.7Zvino sezvamakawanza pazvose, parutendo, pashoko, paruzivo, nepakushingaira kose, neparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanze pabasa iri renyashawo.8Handitauri sekutema murairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.9Nekuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, asi nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.10Pachinhu ichi ndinopa zano; nekuti izvi zvichakubatsirai, imwi makatotanga gore rakapera, kwete kuita chete, asi muchidawo.11Asi zvino pedzisai kuitawo; kuti sezvamakanga mune moyo unoda, saizvozvo kuripo kupedzisa pane zvamunazvo.12Nekuti kana chishuwo chiripo chipo chinogamuchirika zvichiinda nezvine munhu, zvisingaindi nezvaasina.13Nekuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe;14kuti pave nekuenzana; panguva ino kupamhidzira kwenyu kuenderane nemashayiro avo kuti kuwanza kwavo kuve semashayiro enyuvo; kuti kuve nekuenzana;15sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu; naiye wakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.16Asi kuvonga kuve kuna Mwari, wakaisa mumoyo maTito kushingaira nemoyo wose kwakadaro kwamuri,17Nekuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakapfuurira kwamuri nechido chake.18Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri iri pakereke dzose;19zvisati zviri izvozvo chete, asi iye wakasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatwa nesu mukurumbidzwa kwaiyeyu Ishe; nechishuwo chemoyo wenyu chiratidzwe;20tichichenjerera izvi, zvimwe mumwe ungatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatwa nesu.21Tichirangarira zvinhu zvakanaka, kwete pamberi paIshe chete, asi pamberi pevanhuwo.22Uye takatumawo navo hama yedu, yatakapupurira kazhinji kushingaira pazvinhu zvizhinji, asi zvino unonyanya kushingaira nekuda kwekuvimba kukuru mamuri.23Zvimwe zvaTito shamwari yangu nemushandi pamwe neni kwamuri, zvimwe hama dzedu vaapositori vekereke kukudzwa kwaKristu.24Naizvozvo ratidzai kwavari nepamberi pekereke uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu.