Shona

2 Corinthians

9

1Nekuti maererano nekubatsira vatsvene, zvakanyanyisisa kuti ndikunyorerei;2Nekuti ndinoziva kushingaira kwendangariro dzenyu, dzandinozvirumbidza pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakanga vazvigadzirira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.3Zvakadaro ndakatuma hama, zvimwe kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kungava pasina pachinhu ichi, kuti sezvandakareva, muzvigadzirire;4zvimwe kuti kana vamwe veMakedhonia vachiuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzirira, isu tinganyadziswa pakuvimba kwedu tichizvikudza.5Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kugadzira chipo chenyu chekuvonga chamakagara mapikira, kuti ichochi chigare chakagadzirwa chiri chipo chekuvonga asi kwete chinhu chatorwa nesimba,6Asi izvi kuti: Unodzvara zvishoma, unokohwawo zvishoma; neunodzvara zvizhinji, uchakohwawo zvizhinji.7Umwe neumwe ngaaite semadiro omoyo wake; kwete nekuchema, kana nekurovererwa; nekuti Mwari unoda unopa nemufaro.8Uye Mwari unogona kuwanza nyasha dzose kwamuri kuti nguva dzose muve nekuringana kose pazvose, muwanze pabasa rose rakanaka;9sezvazvakanyorwa zvichinzi: Iye wakaparadzira, wakapa kuvarombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi.10Zvino iye unopa mbeu kumudzvari, zvose chingwa chekudya nekuwanza mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;11muchifumiswa pazvinhu zvose pakupana kose, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.12Nekuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo kuvonga kuzhinji kuna Mwari;13nekuda kweuchapupu hwekushumira uku vanorumbidza Mwari pamusoro pekupupura kwenyu kwakazviisa pasi peevhangeri yaKristu, nepamusoro pekupa kwenyu zvakawanda kwavari nekune vose.14Uye nemunyengetero wavo kwamuri, vachikushuvai nekuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.15Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.