1Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro nokugadzikana kwaKristu wakaninipiswa pakati penyu ndiripo, asi kana ndisipo ndine chivimbo kwamuri;2asi ndinokumbirisa kwamuri, kuti ndirege kuva neushingi kana ndiripo nechivimbo chakadai chandinacho kumirisana nevamwe vanofunga kuti tinofamba zvinoenderana nenyama.3Nekuti kunyangwe tichifamba munyama, hatirwi nemitoo yenyama;4Nekuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare;5tichiwisira pasi mirangariro, nechose chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa, mirangariro yose pakuteerera Kristu.6takazvigadzira kutsiva kusateerera kose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.7Imwi munotarira zvinhu nemutovo wemamiriro okunze. Kana munhu achizvivimba kuti ndewaKristu ngaazvirangarirezve, kuti sezvaari waKristu, saizvozvo isuwo tiri vaKristu.8Nekuti kunyange ndichizvikudza nezvinhu zvizhinji, ndaifanira kunyanyisa maererano nesimba redu ratakapiwa naIshe rekusimbisa, uye kwete rekukuputsirai pasi, handinganyadziswi;9kuti ndirege kuita sendinokutyityidzirai netsamba.10Nekuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba, asi kuvapo kwake pamuviri, unoutera nepakutaura une kuzvidzwa.11Regai wakadaro arangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko nepatsamba kana tisipo saizvozvowo pakuita kwedu kana tiripo.12Nekuti hatina ushingi hwekuzviverenga nekuzvifananidza nevamwe vanozvikudza; asi ivo pakati pavo vanozvienzanisa navo nokuzvifananidza pachavo, havana kuchenjera.13Asi isu hatingazvirumbidzi nezvinhu zvisina chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu wekuyera Mwari waakatitemera chipimo chekusvika nekwamuriwo.14Nekuti hatizvitambanudzi kupfuurikidza, setisingasvikiri kwamuri; nekuti nekwamuriwo takasvika neevhangeri yaKristu;15tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamusoro pemabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa nemwi zvinoenderana nechipimo chedu nekupfuurisa,16kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pachipimo cheumwe pamusoro pezvatogadzirwa.17Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.18Nekuti haasi uyo unozvirumbidza unogamuchirwa, asi unorumbidzwa naIshe.