1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asi nemwi zvirokwazvo munondiitira moyo murefu.2Nekuti ndine godo pamusoro penyu negodo reuMwari; nekuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei semhandara yakachena kuna Mwari.3Asi ndinotya kuti zvimwe neimwe nzira nyoka sezvayakanyengera Eva nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa dzitsauke pakururama kuri muna Kristu.4Nekuti kana uyo unosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana kugamuchira mumwe mweya wamusina kugamuchira kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.5Nekuti ndinoona ndisingatairi nepaduku kuvaapositori vakurusa.6Zvino kunyange ndisina kudzidza pakutaura, asi kwete paruzivo; asi takaratidzwa zvirokwazvo kwamuri muzvinhu zvose.7Ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti mukudzwe, nekuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?8Ndakapamba dzimwe kereke, ndichireva mibairo kuti ndikuyamurei.9Uye pandakanga ndiripo nemwi ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nekuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvose ndakachenjera kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndicharamba ndichichenjera.10sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvikudza kumatunhu eAkaya.11Nemhaka yei? Nekuti handikudiyi here? Mwari unoziva.12Asi chandinoita, icho ndichaita, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti mune izvo zvavanozvirumbidza nazvo vawanikwe vakaita sesu.13Nekuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.14Naizvozvo hazvishamisi; nekuti kunyange Satani amene unozvishandura kuva mutumwa wechiedza.15Naizvozvo hachizi chinhu chikuru kana vashumiri vakevo vachizvishandura, sevashumiri vekururama; kuguma kwawo kuchaenderana nemabasa avo.16Ndinotizve: Munhu ngaarege kufunga kuti ndiri benzi; kana zvakadaro, sebenzi ndigamuchirei, kuti ndizvirumbidze zvishoma.17Izvo zvandinotaura, handizvitauri maererano naIshe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.18Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.19Nekuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro, imwi muri vakachenjera;20Nekuti munoita moyo murefu kana munhu achikuisai muuranda, kana ani nani achikuparadzai, kana ani nani achikutapai, kana ani nani achizvikudza, kana ani nani achikurovai kumeso.21Ndinoreva semaererano nekushoora, sezvinenge takanga tine utera. Zvino kana kune munhu une ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.22VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Vana vaAbhurahamu here? Neniwo.23Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndiri iye, zvikuru pamabasa ndinopamhidzira, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere kakadzokororwa, parufu kazhinji.24KuvaJudha ndakagamuchira kashanu, shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe usiku hwumwe nemasikati ndakange ndiri makadzika megungwa;26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi dzevekwangu, panjodzi dzevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;27pakuchama nepakurwadziwa, pakusavata kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.28kunze kwezvinhu izvi zviri panze, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nekurangarira kereke dzose.29Ndiani une utera, neni ndikasava neutera? Ndiani unogumburwa, neni ndikasatsva?30Kana zvakafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zveutera hwangu.31Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, unorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, unoziva kuti handirevi nhema.32PaDhamasiko mutungamiriri waishe Areta wakarinda guta raveDhamasiko achitsvaka kundibata;33uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikatiza pamaoko ake.