1Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri nekuti ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.2Ndinoziva munhu uri muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana zvimwe kunze kwemuviri, handizivi, Mwari unoziva), wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.3uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari unoziva),4kuti wakakwidzwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingatenderwi munhu kutaura.5Pamusoro pewakadai ndichazvikudza; asi pamusoro pangu handizvikudzi; asi pautera hwangu.6Nekuti kunyange ndichida kuzvikudza, handingavi benzi; nekuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe munhu ungandifungira kuva mukuru kune zvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri,7uye kuti ini ndirege kukudzwa kupfuuridza chipimo kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa kupfuura chipimo.8Nekuda kwechinhu ichi, ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.9Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakuringanai; nekuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru uye utera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.10Naizvozvo ndinofara muutera, mukunyombwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa nekuda kwaKristu; nekuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.11Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nekuti ini ndaifanira kukudzwa nemwi; nekuti handizi muduku nepaduku kuvaapositori vanopfuura vose kunyange ndisi chinhu.12Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu mukutsungirira kose, muzviratidzo nezvishamiso, nemabasa esimba.13Nekuti makapfuurwa papi nedzimwe kereke, kunze kwekuti ini handina kuva mutoro kwamuri? Ndikangamwirei kusarurama uku.14Tarirai, ndakazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handidi kuva mutoro kwamuri; nekuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nekuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.15Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza, nekuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikamwa zvishoma?16Asi ngazvive saizvozvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.17Ndakakutsvatai here neumwe waivo vandakatuma kwamuri?18Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; ko Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? uye nemumakwara mamwe here?19Uye munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvinhu zvose vadikamwa kuti musimbiswe.20Nekuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemwi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;21zvimwe kana ndichisvikazve, Mwari wangu andininipise pakati penyu, ndichachemera vazhinji vaavo vakatombotadza vakasatendeuka pakusachena kwavo neupomhwe neunzenza hwavakaita.