1Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu shoko roga roga richasimbiswa.2Ndakambokuudzai, uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, ikozvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza, nekune vamwe vose kuti kana ndikauyazve, handingavaregererizve.3Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi une simba mamuri.4Nekuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, asi unorarama nesimba raMwari. Nekuti isuwo hatina simba maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.5Zviongororei kana muri parutendo; zvinzverei mumene, Hamuzivi here imwi mumene kuti Jesu Kristu uri mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakarashwa.6Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti hatisi vakarashwa.7Zvino ndinonyengetera kuna Mwari kuti musaita chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike setakatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.8Nekuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.9Nekuti tinofara kana isu tine utera asi imwi makasimba; uye izvi tinozvinyengetererawo, kuzadziswa kwenyu.10Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba randakapiwa naIshe rekusimbisa, kwete rekuputsa.11Pakupedzisira, hama, farai, muzadziswe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare uchava nemwi.12Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.13Vatsvene vose vanokukwazisai.14Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mose. Ameni.