Shona

Galatians

1

1Pauro muapositori usingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi unobva kubudikidza naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kuvakafa,2nehama dzose dzineni, kukereke dzeGaratia:3Nyasha kwamuri norugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,4wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panguva yakaipa yaikozvino, nechido chaMwari naBaba vedu;5kwaari kune kurumbidzwa kusvikira rinhi narinhi. Ameni.6Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kupandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;7isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachida kutsaudzira evhangeri yaKristu.8Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave wakapiwa rushambwa.9Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana umwe akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakapiwa rushambwa.10Nekuti zvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nekuti kana ndichiri kufadza vanhu, handifaniri kuva muranda waKristu.11Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haisi yekuita kwevanhu.12Nekuti neni handina kuigamuchira kumunhu kana kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.13Nekuti makanzwa zvemufambiro wangu munguva yapfuura pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari kupfuura chipimo sei, nokuiparadza;14uye ndakabudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzemadzibaba angu.15Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.16kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;17uye handina kukwira kuJerusarema kuna avo vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokerazve Dhamasiko.18Zvino shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi mashanu.19Asi handina kuvona mumwe wavaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.20Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handinyepi.21Shure kwaizvozvo ndakasvika kumatunhu eSiria neKirikia.22Asi ndakanga ndisingazikamwi pachiso nekereke dzeJudhiya dzaiva muna Kristu;23asi vakange vanzwa chete, kuti waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza,24vakarumbidza Mwari mandiri.