Shona

Galatians

2

1Zvino shure kwemakore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo Titosi.2Ndakakwira nekuzarurirwa, ndikarondedzera kwavari evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, kuti zvimwe neumwe mutowo ndingamhanya kana ndakatomhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.3Asi kunyange Titosi waiva neni ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;4uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa nekunyangira, vakange vapinda chinyararire kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;5vatisina kupa mukana nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.6Asi kana vari ivo vairatidza kuva chinhu (hazvinei kwandiri kuti vaiva vakadini; Mwari haagamuchiri chimiro chinoonekwa chemunhu), nekuti kana vari ivo vanokudzwa havana kundiwedzera chinhu;7asi nekusiyana ivo vakati vaona kuti evhangeri yavasakadzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, seye vekudzingiswa kuna Petro,8(nekuti iye wakasima nesimba kuna Petro vuapositori hwevakadzingiswa, ndiye wakapa kwandiri vuapositori kuvahedheni);9vakati vaziva nyasha dzakange dzapiwa kwandiri, Jakobho, naKefasi, naJohwani, vanokudzwa kuva mbiru, ruoko rwerudyi rwekudyidzana vakandipa, nekuna Bhanabhasi, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;10chete kuti tirangarire varombo; chandakashingairirawo kuti ndichiite.11Zvino Kefasi wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nekuti waifanira kumhurwa.12Nekuti vasati vasvika vamwe vakange vabva kuna Jakobho, iye waidya nevahedheni; asi vakati vasvika akasuduruka, akazviraura, achitya avo vekudzingiswa.13Nevamwe vaJudha vakanyengera pamwe naye; zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo.14Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevose: Kana iwe uri muJudha, uchirarama nemutowo wevahedheni, uye kwete sezvinoita vaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame sevaJudha?15Isu vaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,16tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo rwaJesu Kristu, kunyange isuwo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo rwaKristu, uye kwete nemabasa emurairo; nekuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.17Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, isu tomenewo tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!18Nekuti kana ndikavakazve zvinhu zvandaputsa, ndinozviita mudariki.19Nekuti ini kubudikidza nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari,20Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; zvakadaro handisisiri ini, asi Kristu unorarama mandiri; ndiko kurarama kwandinorarama zvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nekuda kwangu21Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nekuti kana kunzi wakarurama zvichibva kumurairo, saka Kristu wakafira pasina.