Shona

Galatians

3

1Haiwa vaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai, kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso enyu, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?2Ichechi chete ndinoda kudzidza kwamuri: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?3Ko muri matununu akadai? Mambotanga muMweya, zvino mopedzeredzwa nenyama here?4Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Kana zvakadaro ndinoreva pasina!5Naizvozvo uyo unokupai Mweya nekuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?6Abhurahamu sezvaakatenda Mwari zvikaverengwa kwaari kuti kururama.7Naizvozvo munoziva kuti avo vari verutendo ndivo vana vaAbhurahamu.8Nerugwaro zvarwakaona zviri mberi kuti Mwari unoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.9Naizvozvo ivo vari verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahamu wakatendeka.10Nekuti vose vari vemabasa emurairo vari pasi perushambwa; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakapiwa rushambwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti vazviite.11Zvino, zviri pachena kuti hakuna munhu unonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nekuti kunonzi: Wakarurama uchararama nerutendo.12Zvino murairo haubvi parutendo; asi uyo unozviita uchararama mazviri.13Kristu wakatidzikunura parushambwa rwemurairo, aitwa rushambwa nekuda kwedu, nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vane rushambwa vose vanoturikwa pamuti;14Kuti ropafadzo yaAbhurahamu isvike kuvahedheni kubudikidza naJesu Kristu; kuti tigamuchire chivimbiso cheMweya kubudikidza nerutendo.15Hama, ndinotaura nemutowo wevanhu; kunyange iri sungano yevanhu, kana yasimbiswa hakuna munhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.16Zvino zvivimbiso zvakaitwa kuna Abhurahamu nekumbeu yake. Haarevi, achiti: Nekumbeu dzako sevanenge vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Nokumwana wako; unova Kristu.17Zvino ndinoreva ichi: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo wakazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti chivimbiso chishaiswe maturo.18Nekuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa kuna Abhurahamu nechivimbiso.19Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.20Asi murevereri haazi weumwe, asi Mwari ndeumwe.21Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nekuti dai pakanga pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchiuya nemurairo.22Asi rugwaro rwakapfigira zvose pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.23Asi rutendo rwusati rwasvika, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa murutendo rwaizozarurwa shure.24Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tinzi takarurama nerutendo.25Zvino rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.26Nekuti mose muri vana vaMwari nerutendo rwaKristu Jesu.27Nekuti mose makabhabhatidzwa muna Kristu makafuka Kristu;28Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume kana munhukadzi; nekuti imwi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.29Zvino kana muri vaKristu, saka muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka maererano nechivimbiso.