1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvose;2asi uri pasi pevarairidzi nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.3Saizvozvo nesu, apo takanga tichiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika;4Asi apo kuzara kwenguva kwakati kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaitwa nemukadzi, wakaitwa pasi pemurairo,5kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.6Uye nekuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!7Saka iwe hausisiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari kubudikidza naKristu.8Asi nenguva iyo, musati maziva Mwari, maiva varanda vaivo vasati vari vamwari pachisikigo;9asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve sei kuurongwa hwusina simba hweurombo, hwamunoshuvazve kuva muuranda hwahwo?10Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.11Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.12Ivai seni, nekuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai. Hamuna kutombonditadzira chinhu;13zvino munoziva kuti nemuundonda panyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,14nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba; asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.15Zvino kuropafadza kwenyu ndekupi? Nekuti ndinopupura nezvenyu, kuti kana zvichibvira, mutumbure meso enyu muape kwandiri.16Zvino ndava muvengi wenyu nekukuuudzai chokwadi here?17Vanokushingairirai nemutowo usakanaka; asi vanoda kukusiyai kunze, kuti imwi muvashingairire.18Asi zvakanaka kushingaira pachinhu chakanaka nguva dzose, uye kwete kana ndiripo nemwi chete.19Vana vangu vaduku, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri.20Ndinoshuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nekuti ndiri mukukahadzika pamusoro penyu.21Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?22Nekuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakange ane vanakomana vaviri, umwe nemurandakadzi, umwe nemukadzi wakasununguka.23Asi wemurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi wemukadzi wakasununguka nechivimbiso.24Zvinhu izvi zvinofananidzira; nekuti ava isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai, inobereka vana vevuranda, inova Agari.25Zvino Agari uyu ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema razvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.26Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tose.27Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nekuti musiiwa unavana vazhinji kunovaiye unomurume.28Zvino isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.29Asi sepanguva iyo, uyo wakaberekwa nemutowo wenyama wakamutambudza iye wemutovo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.30Asi rugwaro runoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nekuti mwanakomana wemurandakadzi haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.31Naizvozvo, hama, hatizi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.