Shona

Galatians

5

1Naizvozvo mirai makasimba mukusununguka Kristu kwaakatisunungura nako, musasungwazve nejoko reuranda.2Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.3Nekuti ndinopupurirazve kumunhu wose unodzingiswa, une ngava rekuita murairo wose.4Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama nemurairo; makawa panyasha.5Nekuti isu kubudikidza neMweya tinomirira tariro yekururama nerutendo.6Nekuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo.7Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?8Uku kukwezva hakubvi kune unokudanai.9Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.10Ndine chivimbo pamusoro penyu kubudikidza naIshe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo, unokudenhai uchatakura mutongo, ungava ani nani.11Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.12Ndingati avo vanokutambudzai vazvicheke havo.13Nekuti imwi, hama, makadanirwa kurusununguko; kwete kusununguka kwemukana panyama, asi nerudo batsiranai.14Nekuti murairo wose unozadziswa mushoko rimwe, mune riri: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.15Asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana.16Zvino ndinoti: Fambai muMweya, ipapo hamungazadzisi kuchiva kwenyama.17Nekuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana chimwe nechimwe; kuti murege kuita zvinhu zvamunoda.18Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamuzi pasi pemurairo.19Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwawa: Vufeve, upombwe, tsvina, unzenza,20kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, dzidziso dzakatsauka,21kugodorana, umhondi, udhakwa, nyonganyonga, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai, sezvandakambokuvudzai kare, kuti avo vanoita zvakadai havangadyi nhaka yeushe hwaMwari.22Zvino chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,23unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.24Asi avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.25Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,26tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichigodorana.