1Hama, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imwi veMweya mudzose wakadai nemweya weunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti iwewo urege kuidzwa.2Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvo zadzisai murairo waKristu.3Nekuti kana munhu achizviona sechinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera.4Zvino munhu umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake amene oga, asi kwete pamusoro peumwe.5Nekuti munhu umwe neumwe uchatakura mutoro wake.6Uye unodzidziswa shoko ngaagovane neunodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.7Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nekuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.8Nekuti unodzvara kunyama yake, uchakohwa kuora kunobva panyama; asi unodzvara kumweya uchakohwa upenyu hwusingaperi, hwunobva kumweya.9Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nekuti nenguva yakafanira, tinozokohwa kana tisinganeti.10Naizvozvo zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vose, zvikuru kune veimba yerutendo.11Vonai kuti akakura sei mavara andinonyora kwamuri neruoko rwangu.12Vose vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kutambudzwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.13Nekuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.14Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu; kubudikidza naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.15Nekuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.16Vose vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro pevaIsraeri vaMwari.17Kubvira zvino ngakurege kuva nemunhu unonditambudza; nekuti ndakatakura pamuviri wangu mavanga aIshe Jesu.18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.