Shona

Ephesians

1

1Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:2Nyasha kwamuri, nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.3Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yose yeMweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu,4sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene vasingamhuriki pamberi pake murudo;5agara atitemera mukuitwa vana naJesu Kristu kwaari, sezvaakafadzwa pakuda kwake,6kuve kurumbidzwa kwenyasha dzake, nadzo wakatiita kuti tigamuchirwe muMudikamwa;7maari matine dzikunuro kubudikidza neropa rake, iko kangamwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake;8madziri wakawanza kwatiri mukuchenjera kose neungwaru;9azivisa kwatiri chakavanzika chekuda kwake, sekushuva kwake kwakanaka kwaakazvipira maari pachake;10kuti pakuitika kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvose muna Kristu, zvose zviri kumatenga nezviri panyika maari.11muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa nezviga zvaiye unoita zvinhu zvose nezano rechido chake;12kuti tive verumbidzo yekubwinya kwake, isu takavimba kare kuna Kristu;13muna iye imwiwo manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; muna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo weMweya Mutsvene wechivimbiso,14uri rubatso rwenhaka yedu, parudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.15Naizvozvo iniwo, ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu, nerudo kuvatsvene vose,16handiregi kukuvongerai, ndichikutaurai paminyengetero yangu;17kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya wekuchenjera nekuzarurirwa paruzivo rwepamusoro pake;18meso efungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii?19Nekuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kwesimba rake guru,20raakashandisa muna Kristu paakamumutsa kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,21kumusoro-soro kweutongi hwose, nesimba, neukuru, neushe, nezita roga roga rinorehwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inozouyawo;22akaisa zvose pasi petsoka dzake, akamupa utungamiriri pamusoro pezvose kukereke,23ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose mune zvose.