1Wakakumutsai, imwiwo makanga makafa mukudarika nemuzvivi,2izvo zvamaifamba mazviri kare nemutowo wenyika ino, nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera;3vataifamba tose pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, nepachisikigo chedu isu taiva vana vekutsamwirwa sevamwewo.4Asi Mwari wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,5kunyange takange takafa mukudarika, wakatimutsa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);6akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekumatenga, muna Kristu Jesu;7kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu;8Nekuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri, asi chipo chaMwari;9hazvibvi pamabasa, kuti kusava neunozvikudza.10Nekuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, akagara agadzirwa naMwari kuti tifambe maari.11Naizvozvo rangarirai kuti imwi panguva dzakapfuura, maiva vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa naivo vanonzi vekudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko;12kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwevaIsraeri, nevatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.13Asi zvino muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, munoswededzwa neropa raKristu.14Nekuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, akaputsa mudhuri wapakati wokuparadzanisa;15aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga; kuti asike maari pavaviri munhu umwe mutsva, aite rugare,16uye kuti ayananise vaviri kuna Mwari, mumuviri umwe nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo;17uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri, imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;18nekuti kubudikidza naye isu tose tine mapindiro neMweya mumwe kuna Baba.19Naizvozvo, zvino hamusisiri vaeni nevatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene neveimba yaMwari.20Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari mbiru yepakona.21Maari imba yose yakabatanidzwa, ikure ive tembere tsvene muna Ishe.22Maari nemwiwo makavakwa pamwe, kuti muve ugaro hwaMwari kubudikidza neMweya.