Shona

Ephesians

3

1Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,2kana makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,3kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;4naizvozvo kana muchirava iwo, munganzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;5icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachakanga chozarurirwa kuvaapositori vatsvene, nevaporofita neMweya;6Kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu neevhangeri,7yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.8Kwandiri ndiri muduku kumudukusa wevatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,9nekuita kuti vose vaone kuti kudyidzana kwakadiniko kwechakavanzika chakanga chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvose naKristu Jesu,10kuti zvino paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga kudenga, kuchenjera kukuru kwaMwari kuziviswe nekereke;11sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu;12maari matine kutsunga nekupinda tine chivimbo, nerutendo rwake.13Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pakukutambudzikirai kwangu; ndiko kurumbidzwa kwenyu.14Nemhaka iyi ndinofugama nemabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,15avo rudzi rwose rwuri kumatenga nepanyika rwunodaidzwa nezita ravo,16kuti vakupei zvichienderana nefuma yeushe hwavo ukuru, kuti musimbiswe nesimba neMweya wake mumunhu wemukati;17kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; kuti imwi mune midzi nenheyo murudo,18muve nesimba rekunzwisisa nevatsvene vose, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,19nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe nekuzara kose kwaMwari.20Zvino kune une simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana kufunga maererano nesimba rinobata matiri,21kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.