1Naizvozvo ini musungwa waIshe ndinokukumbirisai, kuti mufambe zvakafanira kudamwa kwamakadamwa nako,2nekuzvininipisa kose nevunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,3muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.4Kune muviri mumwe noMweya mumwe, sezvamakadamwawo mutariro imwe yekudamwa kwenyu;5Ishe mumwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,6Mwari mumwe, naBaba vavose, uri pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, nekwamuri mose.7Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.8Naizvozvo unoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.9Zvino kuti wakakwira chii, kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzepanyika?10Uyo wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ose, kuti azadzise zvinhu zvose.11Zvino wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,12kuitira kukwaniswa kwevatsvene pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;13kudzimara tose tasvika paumwe hwerutendo nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, nepamunhu wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;14kuti tisazova vachechezve, vanodzungaidzwa kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso nekunyengera kwevanhu, neusvatu hwemano ekutsauka;15asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvose, iye musoro Kristu;16kunobva kwaari muviri wose, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro anobudirira muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.17Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni mukushaya maturo kwefungwa yavo,18vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo;19ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwose neruchiva.20Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,21kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu:22kuti murase zvinoenderana nemufambiro wenyu wekutanga, munhu wekare, unoodzwa nekuchiva kwekunyengera;23uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,24uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, neutsvene hwechokwadi.25Naizvozvo muchirasa nhema, mutaure chokwadi umwe neumwe neumwe wake; nekuti tiri mitezo, mumwe wemumwe.26Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;27uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.28Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike achibata chinhu chakanaka namaoko, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.29Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi iro rakanakira kusimbisa zvakafanira, ripe nyasha vanzwi.30Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakasimbiswa maari kusvikira pazuva redzukunuro.31Shungu dzose, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nokutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwose;32asi ivai nemoyo munyoro mumwe kune mumwe, muchinzwirana tsitsi, muchikangamwirana, sezvamakakangamwirwa naMwari nekuda kwaKristu.