1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikamwa;2uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibayiro kuna Mwari kuva hwema hwunonhuhwira.3Asi upombwe netsvina yose kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;4neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.5Nekuti izvi munozviziva kuti hakuna mhombwe, kana munhu usina kuchena, kana munhu unochiva, unova munamati wezvifananidzo, ungava nenhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.6Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nekuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevanakomana vekusateerera.7Naizvozvo regai kuva vagovani navo;8Nekuti maimbova rima, asi zvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.9Nekuti chibereko chemweya chiri mukunaka kose nekururama, nechokwadi,10muchiidza zvinofadza kuna Ishe;11uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mumhure;12Nekuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura nezvazvo.13Asi zvinhu zvose zvinomhurwa zvinoratidzwa nechiedza; nekuti zvose, zvinoratidzwa chiedza,14saka unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, zvino Kristu uchakuvhenekera.15Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;16muchidzikunura nguva, nekuti mazuva akaipa.17Saka musava matununu, asi vanonzwisisa kuti kuda kwaIshe kwakadini.18Uye regai kudhakwa newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya;19muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe;20muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu;21muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.22Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sekuna Ishe.23Nekuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke; uye ndiye Muponesi wemuviri.24Asi kunyange kereke sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachinhu chose.25Varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;26kuti aiite tsvene ainatse nekushambidza kwemvura neshoko,27kuti aikumikidze kwaari iri kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chinhu chakadai; asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.28Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida iye;29Nekuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake, asi unoifunda nekuichengetedza, saizvozvo Ishe kukereke;30Nekuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.31Nekuda kwaizvozvi munhu uchasiya baba namai vake, abatanidzwe kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.32Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nekereke.33Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nemukadzi ngaatye murume.