Shona

Ephesians

6

1Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nekuti izvi zvakarurama.2Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,3kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.4nemwi madzibaba, musatsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.5Varanda, teererai avo vari vatenzi panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wakarurama sekuna Kristu;6kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;7muchibata nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka chinoitwa nemunhu umwe neumwe, uchachipiwa zvakadaro naIshe, kana wakasungwa kana wakasununguka.9nemwi madzishe, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira muchiziva kuti Ishe wenyuwo uri kumatenga; uye kwaari hakurangarirwi zvinoonekwa zvevanhu.10Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemusimba reukuru hwake.11Shongai zvombo zvose zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi.12Nekuti hatirwisani nenyama neropa, asi neutongi, nemasimba, nemadzishe erima enyika ino, nemweya yetsvina yematenga.13Saka torai zvombo zvose zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvose, mumire.14Naizvozvo mirai zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,15uye tsoka dzenyu dzakasungwa nekugadzirira kweevhangeri yerugare;16pamusoro pezvose matora nhovo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yose inopfuta yewakaipa.17Torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova Shoko raMwari;18munyengetere nguva dzose nemunyengetero wose nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsungirira kose nekukumbirira vatsvene vose.19uye kana ndiri ini, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,20yandiri nhume yayo mumaketani; kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.21Asi kuti imwi muzivewo zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikamwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvinhu zvose;22wandakamutuma kwamuri neshoko irori, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.23Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.24Nyasha ngadzive nevose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.