Shona

2 Kings

10

1Zvino Ahabhi wakange ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora tsamba, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,2Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;3chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu.4Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?5Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.6Ipapo wakanyora tsamba rwechipiri kwavari, akati, Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu. Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.7Zvino tsamba iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.8Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, Vauya nemisoro yavanakomana vamambo. Iye akati, Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuwo, kusvikira mangwana.9Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose?10Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nekuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria.11Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereeri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapristi vake, kusvikira asina kumusiira nomumwe.12Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yokuvevura makwai yavafudzi,13Jehu akasangana navanin'ina vaAhazi mambo waJudha, akati, Ndimi aniko? Ivo vakapindura, vakati, Tiri vanin'ina vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi.14Iye akati, Vabatei vari vapenyu. Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.15Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, moyo wako wakarurama here, sokururama komoyo wangu kwauri? Jehonadhabhi akapindura, akati, Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu. Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.16Akati, Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako. Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.17Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.18Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo.19Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapristi vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nekuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.20Zvino Jehu akati, Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru. Vakaparidza izvozvo.21Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.22Akati kumutariri wenguvo, Vigira vanamati vaBhaari vose nguvo. Iye akavavigira nguvo.23Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari chete.24vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakange araira varume vana makumi masere panze, achiti, Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.25Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda. Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.26Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa.27Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.28Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsiraeri.29Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.30Zvino Jehovha akati kuna Jehu, Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.31Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.32Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yaIsiraeri,33kubva kuna Joridhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGiriyadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Giriyadhi neBhashani.34Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?35Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.36Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.