Shona

2 Kings

9

1Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende RamotiGiriyadhi.2Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.3Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo welsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.4Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda RamotiGiriyadhi.5Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, Ndine shoko nemi, imwi mukuru. Jehu akati, Kunani, kwatiri tose? Iye akati, Kunemi, imwi mukuru.6Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Ndakakuzodza uve, mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.7Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri.8nekuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa,ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati palsiraeri.9Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.10Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereeri, hakuna uchamuviga. Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.11Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri? Iye akati kwavari, Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake.12Ivo vakati, Inhema! Tiudze. Iye akati, Wandiudza zvokuti nezvokuti, akati, Zvanzi naJehovha, Ndakakuzodza uve mambo waIsiraeri.13Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, Jehu ndimambo!14Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakange achidzivirira RamotiGiriyadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.15Asi mambo Jehoramu wakange adzokera Jezereeri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereeri.16Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereeri, nekuti Joramu wakange avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakange aendako kuzoona Joramu.17Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereeri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, Ndinoona boka ravanhu. Joramu akati, Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, Kunorugare here?18Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, Zvanzi namambo, Kuno rugare here? Jehu akati, Uneiko norugare? Enda shure kwangu. Ipapo nharirire yakataura, ikati, Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve.19Zvino akatuma wechipiri, wakange akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, Zvanzi namambo,20Zvino nharirire yakataura, ikati, Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nekuti unofambisa zvinotyisa.21Ipapo Joramu akati, Sungai ngoro! Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo welsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereeri.22Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, Kuno rugare here, nhai Jehu? Iye akapindura, akati, Rugare rwei! Kana ufeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!23Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, Tanyengerwa Ahazia!24Ipapo Jehu akabwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamoyo wake, akawira mungoro yake.25Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereeri; nekuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.26Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.27Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, Muuraye naiyewo mungoro. Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.28Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. :.29Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.30Zvino Jehu wakati achisvika paJezereeri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napahwindo.31Zvino Jehu akati achipinda napasuwo, akati, Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?32Iye akatarira kumusoro kuhwindo, akati, Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko? Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napahwindo.33Akati, Musundire pasi. Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake.34Zvino wakati apinda, akadya nokumwa, akati, Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nekuti mukunda wamambo.35Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake.36Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereeri;37uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereeri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.