1Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe.2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira.3Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuteerera mutero.4Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nekuti wakange atuma nhume kuna Soromoni mambo weEgipita, akazorega kuteerera mambo weAsiria mutero gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutirongo akamusunga.5Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.6Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.7Izvozvo zvakaitwa, nekuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakange avabudisa panyika yeEgipita kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,8vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri, neyamadzimambo aIsiraeri yavakatema ivo.9Vana vaIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose,kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.10Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.11Vakapisirapo zvinonhuhwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha;12vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, Regai kuita chinhu ichi.13Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.14Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo.15Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.16Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.17Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.18Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiiwa, asi rudzi rwaJudha chete.19Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitovo yavaIsiraeri, yavakatema.20Jehovha akarasha vana vaIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.21Nekuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.22Vana vaIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri;23kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi.24Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana vaIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro.25Zvino pakutanga kokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo.26Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nekuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.27Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, Isaiko mumwe wavapristi vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.28Naizvozvo mumwe wavapristi vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.29Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara.30Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima,31vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefari- vhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefari-vhaimi.32Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapristi vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.33Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.34Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zviga zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakove naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;35Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira,36asi Jehovha, wakakubudisai paEgipita nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.37Mitemo, nezviga, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari;38uye hamufaniri kukangamwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari;39asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.40Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.41Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.