1Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga kubata ushe.2Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya.3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi.4Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nekuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuhwira; akaitumidza Nehushitani.5Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakange akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.6Nekuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mozisi naJehovha.7Jehovha akava naye; kose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.8Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.9Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.10Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsiraeri.11Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi;12nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.13Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Saniheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.14Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.15Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo.16Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria.17Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.18Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, va kabudira kwavari.19Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imwi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?20Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?21Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weEgipita kuna vose vanovimba naye.22Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?23Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.24Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naEgipita kuti upiwe ngoro namabhiza navo?25Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.26Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nekuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.27Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?28Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.29Zvanzi namambo, Hezekia ngaarege kukunyengerai; nekuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;30Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.31Musateerera Hezekia, nekuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;32kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai achiti, Jehovha uchatirwira.33Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?34Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here?35Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?36Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nekuti murayiro wamambo wakange uchiti, Regai kumupindura.37Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguvo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.