Shona

2 Kings

19

1Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.2Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapristi, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.3Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nekuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro.4Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.5Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.6Isaya akati kwa vari, Udzai tenzi wenyu, muti, Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.7Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.8Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsisia achirwa neRibhina, nekuti wakange anzwa kuti wabva paRakishi.9Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti,10Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha; muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.11Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?12Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?13Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefari-vhaimi, neHena, neIvha?14Hezekia akagamuchira tsamba pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.15Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, Haiwa! Jehovha waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imwi moga, woushe hwose bwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.16Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSaniheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.17Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,18akakandira vamwari vadzo mumoto; nekuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza.19Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose bwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imwi moga.20Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.21Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukusweveredza; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.22Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!23Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka.24Ndakateka ndikamwa mvura yedzimwe nyika, ndichapwisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika kwetsoka dzangu.25Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutangatanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.26Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa bwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.27Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.28Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nekuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.29Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokukohwa, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.30Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.31Nekuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.32Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu pariri.33Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino.34Nekuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nekuda kwangu, uye nokuda komuranda wangu Dhavhidhi.35Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.36Naizvozvo Saniheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.37Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.