1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chiraira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.2Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,3Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.4Zvino Isaya wakange achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,5Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.6Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.7Ipapo Isaya akati, Uyai nebundu ramawonde. Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.8Zvino Hezekia akati kuna Isaya, Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?9Isaya akati, Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?10Hezekia akapindura, akati, Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.11Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.12Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nekuti wakange anzwa kuti Hezekia wairwara.13Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.14Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko? Hezekia akati, Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.15Akati, Vakawonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.16Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha.17Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.18Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.19Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro. Akatiwo, Ko handizvo here, kana rugare nechokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?20Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?21Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.