Shona

2 Kings

21

1Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha.2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.3nekuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.4Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.5Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.6Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.7Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri.8Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjerachetekuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu.9Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.10Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati,11Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake.12Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga.13Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.14Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose;15nekuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paEgipita kusvikira zuva ranhasi.16Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.17Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?18Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.19Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.20Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.21Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata;22akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha.23Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make.24Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josiya mambo panzvimbo yake.25Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?26Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josiya mwanakomana wake akamutevera paushe.