Shona

2 Kings

2

1Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari.2Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusii. Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.3Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.4Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma Jeriko. lye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko.5Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinoziva, nyararai henyu.6Eria akati kwaari, Iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma kwaJoridhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Ivo vari vaviri vakapfuura havo.7Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJoridhani.8Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.9Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndipei migove miviri yomweya wenyu.10Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.11Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.12Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.13Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamahombekombe aJoridhani;14akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura,15Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.16Vakati kwaari, Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata. Iye akati, Regai henyu kuvatuma.17Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, Tumai henyu. Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.18Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, Handina kukuudzai here, ndikati Regai kuenda.19Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.20Iye akati, Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo. Vakamuvigira iyo.21Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, Zvanzi naJehovha, Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.22Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.23Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamusweveredza, zvikati kwaari, Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!24Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.25Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria.