1Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nekuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.3Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.4Zvino Mesha mambo waMoabhu wakange ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondobwe ane zviuru zvine zana.5Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.6Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.7Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here? Iye akati, Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.8Iye akati, Tichaenda nenzira ipiko? Akati, Nenzira yokurenje raEdhomu.9Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokumwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.10Ipapo mambo waIsiraeri akati, Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.11Zvino Jehoshafati akati, Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here? Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.12Jehoshafati akati, Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.13Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Kwete, nekuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.14Erisha akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.15Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.16Akati, Zvanzi naJehovha, Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.17Nekuti zvanzi naJehovha, Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imwi muchamwa, imwi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.18Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.19Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.20Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.21Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.22Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.23Vakati, Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba.24Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.25Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.26Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.27Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.