Shona

2 Kings

6

1Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.2Titenderei henyu tiende kwaJoridhani, mumwe nomumwe atore dandapo, tizvivakirepo patingagara. Iye akapindura, akati, Endai henyu.3Zvino mumwe akati, Tinokumbira kuti imwi mutende kuendawo navaranda venyu. Akapindura akati, Ndichaenda.4Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJoridhani, vakatema matanda.5Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, Haiwa! Tenzi wangu! nekuti rakanga rakumbirwa.6Munhu waMwari akati, rawirepiko? Akamuratidza parakanga rawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.7Akati, Chiritora hako. Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora.8Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.9Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo waIsiraeri, akati, Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nekuti vaSiria voburukira ipapo.10Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri chete.11Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?12Mumwe wavaranda vake akati, Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.13Akati, Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora. Akaudzwa, zvichinzi, Uri paDhotani.14Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.15Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?16Iye akapindura, akati, Usatya hako, nekuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.17Zvino Erisha akanyengetera, akati, Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone. Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.18Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, Dorovai vanhu ava noupofu. Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.19Erisha akati kwavari, Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka. Akaenda navo Samaria.20Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone. Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.21Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?22Iye akapindura, akati, Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vamwe, vaende kuna tenzi wavo.23Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokumwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri.24Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.25Nzara huru ikavapo paSamaria; nekuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.26Zvino mambo waIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!27Iye akati, Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?28Mambo akati kwaari, Chiiko chinokunetsa? Akapindura, akati, Mukadzi uyu wakati kwandiri, Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.29Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.30Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguvo dzake; (zvino wakange achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.31Ipapo akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi.32Asi Erisha wakange agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?33Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?