Shona

2 Kings

7

1Erisha akati, Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuwo reSamaria.2Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, Tarirai, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here? Erisha akati, Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.3Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi kunze kwesuwo; ivo vakataurirana, vakati, Tinogarireiko pano kusvikira tafa?4Kana tikati, Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.5Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusina munhu.6nekuti Jehovha wakange anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, Tarirai, mambo waIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaEgipita kuzorwa nesu.7Naizvozvo vakamuka mambakwedza, vakasiya matende avo, namabhiza avo, namahesera avo, musasa wose wakangodaro, vakatiza kuti vararame.8Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokumwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguvo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.9Ipapo vakataurirana, vakati, Hatiiti zvakanaka; nhasi izuva reshoko rakanaka, asi isu tinongonyarara hedu; kana tikanonoka kusvikira kwaedza, tichavingwa nokurohwa; naizvozvo hendei zvino, tindoudza imba yamambo.10Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuwo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.11Ipapo vatariri vesuwo vakadanidzira, vakaudza vomumba mamambo mukati.12Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.13Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiiwa muguta (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.14Naizvozvo vakatora ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akatuma vanhu kuzotevera hondo yavaSiria, akati, Endai, mundoona.15Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJoridhani, vakawana nzira yose izere nenguvo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.16Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezvi yero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.17Mambo akagadza mukuru uya, waakanga akasendama paruoko rwake, kuti arindire suwo; vanhu vakamutsikirira musuwo, akafa sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari, wakataura shoko iro musi wakaburukira mambo kwaari.18Zvikaitika sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari kuna mambo, zvaakati, Mangwana nenguva ino zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswa neshekeri, nechiyero chimwe choupfu hwakatsetseka neshekeri pasuwo reSamaria;19mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here? Iye akati Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.20Ndizvo zvaakazoitirwa; nekuti vanhu vakamutsikirira musuwo, akafa.