Shona

Colossians

1

1Pauro muapositori waKristu Jesu nekuda kwechido chaMwari, naTimotio hama,2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.3Tinopa kuvonga kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzose,4sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vose,5nekuda kwetariro yakagadzirirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,6iyo yasvika kwamuri sepanyika yosewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;7sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda unodikamwa pamwe nesu, mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,8iye wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.9Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake, pauchenjeri hwose nekunzwisisa kwemweya;10kuti mufambe sezvinofanira Ishe muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pabasa rose rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;11muchisimbiswa nesimba rose, zvichienderana nesimba rekurumbidzwa kwake, muve nemoyo murefu nekutsungirira nemufaro;12muchipa kuvonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza.13vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,14watine dzikinuro maari kubudikidza neropa rake, ndiko kukangamwirwa kwezvivi.15Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rechisikwa choga choga;16Nekuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe kana ushe, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.17Ndiye unotangira zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zvakabatanidzwa maari.18Uye ndiye musoro wemuviri, kereke; unova kutanga, dangwe kune vakafa; kuti pazvose iye ave wokutanga.19Nekuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kose kugare maari,20uye akonzere naye kuti zvinhu zvose zviyananiswe kwaari, amboita rugare kubudikidza neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.21Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi zvino wayanana nemwi22mumuviri wenyama yake kubudikidza nekufa akukumikidzei muri vatsvene, uye musina mhosva uye musingamhuriki pachiso chake,23kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa choga choga chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.24Zvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, inova kereke;25iyo ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekuita kwaMwari kwandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,26chakavanzika chakange chakafukidzwa kubvira kare, nekubva kumazera, asi zvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,27kuna ivo Mwari vaakada kuzivisa kiti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;28watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzose, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu;29ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.