1Nekuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, naivo vepaRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama,2kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yose yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari, nechaBaba, nechaKristu,3maari fuma yose yeuchenjeri neruzivo yakavigwa.4Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu unokurasai nemashoko anonyengera.5Nekuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.6Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,7makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.8Chenjerai, zvimwe umwe munhu ungakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzevanhu, achitevera dzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete kutevera Kristu.9Nekuti kuzara kose kweuMwari kunogara maari pamuviri.10Nemwi maari makazadziswa, iye musoro weutungamiriri hwose nesimba;11iye wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;12makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye kubudikidza nerutendo rwekuita kwaMwari wakamumutsa kuvakafa.13Nemwi makafa mukudarika kwenyu, nepakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukangamwirai kudarika kose,14akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu; akarubvisa irwo pakati, akaruroverera;15akazumbura ukuru nemasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.16Naizvozvo kusava nemunhu unokutongai pachikafu kana chimwiwa, kana nekuda kwemusi wemutambo kana pakugara kwemwedzi kana pasabata;17zvinova mumvuri wezvinhu zvichavuya, asi muviri ndewa Kristu.18Kusava nemunhu unokutorerai mubairo wenyu nemano, achifanira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama,19asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wose nemafundo nemarunda unofundiwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.20Zvino kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanireiko nemirairo, semugere munyika,21(usabata, usaravira, usagunzva,22izvi zvose zvichaparara nekushandiswa) zvichitevera mirairo nedzidziso dzevanhu?23Izvo zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekuramba muviri; hazvibatsiri kukunda kugutsa nyama.