Shona

Colossians

3

1Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvinhu zviri kumusoro, uko Kristu ugere kuruoko rwerudyi rwaMwari.2Isai fungwa dzenyu kuzvinhu zviri kumusoro, kwete zvinhu zvepanyika.3Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.4Kana Kristu, unova upenyu hwedu, achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.6Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari kunouya pavana vekusateerera;7imwiwo maimbofamba mazviri, pamaigara mukati mazvo.8Asi zvino imwiwo bvisai zvose izvi, kutsamwa, hahsa, kuvenga, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa mumuromo wenyu.9Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,10mukafuka mutsva, unovandudzwa paruzivo, semufananidzo wewakamusika;11apo pasina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa, muSitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvose, uye uri mune vose.12Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikamwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa mufungwa, unyoro, nemoyo murefu;13muchiitirana moyo murefu, nekukangamwirana kana munhu ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, saizvozvowo imwi.14Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chekuzadzisa.15Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.16Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi neuchenjeri hwose muchidzidzisana nekurairana namapisarema, nenziyo, nenziyo dzomweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo yenyu;17uye choga choga chamunoita pashoko kana chiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.18Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.19Varume, idai vakadzi venyu, regai kuvavavira.20Vana, teererai vabereki pazvinhu zvose, nekuti izvi zvinofadza kwazvo kuna Ishe.21Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.22Varanda, teererai pazvinhu zvose vari vatenzi venyu panyama; kwete nokushumira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama muchitya Mwari.23uye zvose kunyange chipi chamunoita, itai nomoyo sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;24muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nekuti munoshandira Ishe Kristu.25Nekuti unoita zvisakarurama, uchagamuchira zvisakarurama zvaakaita; hakuna kusarurwa kwavanhu.