Shona

Colossians

4

1Madzishe, ipai kuvaranda izvo zvakarurama nezvakaringana; muchiziva kuti nemwiwo muna Ishe kumatenga.2Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nekuvonga;3mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho iniwo;4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.5Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.6Shoko renyu ngarigare nenyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.7Zvose zvakanangana neni muchaudzwa naTikiko, hama inodikamwa nemushumiri wakatendeka, nemuranda pamwe neni muna Ishe;8wandakatumira kwamuri nechikonzero ichochi kuti azive zviri maererano nemwi, anyaradze moyo yenyu;9pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikamwa unova wekwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zviri pano.10Arisitako musungwa pamwe neni unokukwazisai, naMako muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo kubudikidza naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,11naJesu unonzi Justo, vari vekudzingiswa; ivava chete vanobata neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.12Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, unokukwazisai, achikurwirai nguva dzose muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana, muchiziva kwazvo zvido zvose zvaMwari.13Nekuti ndinopupura nezvake kuti une shungu kwazvo nekuda kwenyu, neveRaodhikia, neveHirapori.14Unokukwazisai Ruka chiremba unodikamwa, naDhemasi.15Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.16Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti iverengwewo mukereke yevaRaodhikia; imwivo murave inobva Raodhikia.17Vudzai Akipo, muti: Chenjerera kushumira kwawakagamuchira muna Ishe kuti ukupedzise.18Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.