1Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu:2Tinovonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu mose, tichikudomai muminyengetero yedu,3tichirangarira pasina kumira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;4tichiziva, hama dzinodikamwa naMwari, kusanangurwa kwenyu;5Nekuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru; sezvamunoziva kuti takanga tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.6nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,7zvokuti makava muenzaniso kune vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.8Nekuti kubva kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete kuMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo dzose rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunzvimbo dzose; zvekuti hatifaniri kutaura chero chinhu.9Nekuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu, kuti takapinda nemutowo upi kwamuri; uye kuti makatendevukira kuna Mwari sei, muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,10nekumirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu unotinunura pahasha dzinouya.