Shona

1 Thessalonians

2

1Nekuti nemwi hama, munoziva kupinda kwedu kwamuri kuti hakuna kuva pasina.2Asi kunyange takambotambudzika pakutanga nekuitirwa zvinonyadzisa sezvamunoziva paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari nekupikiswa kukuru.3Nekuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, kana kubva patsvina, kana pamano mano;4asi sezvatakatendewa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.5Nekuti chero nguva hatina kutongoreva nemashoko ekubata kumeso sezvamunoziva, kana namano-mano ekuchiva; Mwari chapupu;6kana kutsvaka rukudzo kuvanhu kana rwenyu, kana rwevamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.7Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, semureri kana achifumbatira vana vake;8saizvozvo takakushuvai kwazvo, taida zvikuru kuti tigovane nemwi kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yeduwo, nekuti makanga muri vadikamwi kwatiri.9Nekuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwa kwedu; taibata usiku nemasikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.10Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taifamba neutsvene nekururama tisina chatingapomerwa kwamuri imwi vanotenda.11Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu sababa kuvana vavo, takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,12kuti mufambe zvakafanira Mwari, unokudanirai kuushe hwake nekubwinya.13Nekuda kwaizvozviwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kubva kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sechokwadi shoko raMwari, rinoshandawo mukati menyu imwi munotenda.14Nekuti imwi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya muna Kristu Jesu; nekuti imwiwo makatambudzika nezvinhu zvakadaro kune vekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo nevaJudha,15Ndivo zvose vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishusha isu, vasingafadzi Mwari, vachipesana nevanhu vose.16vachitidzivisa kuparidzira vahedheni kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.17Zvino isu, hama, zvatakaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.18Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.19Nekuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamuzi imwi here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?20Nekuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.