1Saka zvatakanga tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri toga paAtene;2tikatuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai parutendo rwenyu;3kuti kurege kuva neumwe unozununguswa nematambudziko awa, nekuti munoziva mumene kuti takagadzirwa izvozvi.4Nekuti kunyange tichinemwi takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa; kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.5Nekuda kwaizvozvi zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe neumwe mutowo muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, akatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzose muchishuva zvikuru kutiona isu, sesuwo imwi;7nekuda kwezvizvi, takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kose nenhamo nerutendo rwenyu;8Nekuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.9Nekuti kuvonga kwakadini kwatingaripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wose watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?10Siku nesikati tichikumbira zvikuru kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu?11Zvino iye Mwari pachake naBaba vedu naIshe wedu Jesu Kristu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;12uye ishe akukurisei nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vose, sesu kwamuri,13kuti asimbise moyo yenyu isamhurika pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vose.