1Pamusoro pazvo zvino, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, kuti sezvamakadzidza kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, muwanze nekuwanzisisa pane izvozvo.2Nekuti munoziva mirairo yatakakupai naIshe Jesu.3Nekuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;4kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nerukudzo,5asingaiti nekuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;6kusava neunopfuurikidza akanyengera hama yake pamhaka, nekuti Ishe ndiye mutsivi wezvose izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekukupupurirai kwazvo.7Nekuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.8Naizvozvo unozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari unotipawo Mweya wake, Mutsvene.9Zvino, kana ruri rudo rweukama, hamufaniri kuti ndikunyorerei, nekuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;10Nekuti nemwi munozviita kuhama dzose dziri paMakedhonia yose asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanze nekuwanzisisa;11uye kuti mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, muchishanda nemaoko enyu, sezvatakakurairai;12kuti mufambe nemutowo wakafanira kune vari kunze, uye musashaya chinhu.13Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwe vasina tariro.14Nekuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akamukazve, saizvozvo avowo vakarara muna Jesu, Mwari uchavavuyisa pamwe naye.15Nekuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.16Nekuti Ishe amene uchaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;17zvino isu vapenyu vakasara, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; naizvozvo tichava naIshe nekusingaperi.18Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.